Isaya 40:7-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa.

8. Uswa hunooma uye maruva anowa, asi shoko raMwari wedu rinogara nokusingaperi.”

9. Imi munoparidzira Zioni zvinhu zvakanaka, kwirai pagomo refu. Imi munoparidzira Jerusarema mashoko akanaka, danidzirai nesimba, musatya; muti kumaguta eJudha, “Hoyu Mwari wenyu!”

10. Tarirai, Ishe Jehovha ari kuuya nesimba, uye ruoko rwake runomubatira ushe. Tarirai, mubayiro wake anawo, uye zvaanoripira nazvo anazvo.

11. Anofudza makwai ake somufudzi: Anounganidza makwayana mumaoko ake agoatakurira pedyo nomwoyo wake; zvinyoronyoro anotungamirira nhunzvi dzinonwisa.

12. Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake, kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake? Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu, kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero, nezvikomo pachiyero?

13. Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha, kana kumudzidzisa somudzidzisi wake?

14. Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere, uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka? Ndianiko akamudzidzisa ruzivo kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?

15. Zvirokwazvo ndudzi dzavanhu dzakaita sedonhwe remvura riri muchirongo; vanongova seguruva riri pamusoro pechiyero; anoyera zviwi kunge guruva rakatsetseka.

16. Rebhanoni harina huni dzinoringana kuvesa moto wearitari, uye zvipfuwo zvaro hazvikwani kuita chipiriso chinopiswa.

17. Marudzi ose akaita sapasina chinhu pamberi pake; iye anoaona seasina maturo, kunge asipo.

18. Zvino, mungafananidza Mwari naaniko? Ndoupi mufananidzo wamungamuenzanisa nawo?

19. Kana chiri chifananidzo, muumbi anochiumba, mupfuri wegoridhe ochinamira negoridhe, uye anochiitira uketani hwesirivha.

20. Murombo anoshayiwa chipo anosarudza danda risingaori. Anotsvaka mhizha kuti imuvezere chifananidzo chisingazozungunuki.

21. Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here?

22. Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo.

23. Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vabati venyika ino kuti vave pasina.

24. Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi.

25. “Mungandienzanisa naaniko? kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.

26. Simudzai meso enyu mutarire kumatenga. Ndianiko akasika zvose izvi? Iye anobudisa nyeredzi imwe imwe, achidzidana imwe neimwe nezita rayo. Nokuda kwesimba rake guru uye noukuru hwesimba rake, hapana kana imwe zvayo inoshayikwa.

Isaya 40