2 Madzimambo 17:20-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

20. Naizvozvo Jehovha akaramba vanhu vose veIsraeri; akavatambudza akavapa mumaoko avaparadzi, kusvikira avabvisa pamberi pake.

21. Akati abvarura Israeri kubva muimba yaDhavhidhi, vakaita Jerobhoamu mwanakomana waNebhati mambo wavo. Jerobhoamu akatsausa Israeri pakutevera Jehovha akavaita kuti vaite chivi chikuru.

22. VaIsraeri vakaramba vari muzvivi zvose zvaJerobhoamu uye havana kutendeuka kubva pazviri

23. kusvikira Jehovha avabvisa pamberi pake, sezvaakanga avayambira kubudikidza navaranda vake vose vaprofita. Saka vanhu veIsraeri vakatapwa kubva kunyika yavo vakaendeswa kuusungwa muAsiria, uye vachiriko nanhasi.

24. Mambo weAsiria akauya navanhu kubva kuBhabhironi, nokuKuta, neAvha, neHamati neSefarivhaimu ndokuvagarisa mumaguta eSamaria pachinzvimbo chavaIsraeri. Vakatora Samaria vakagara mumaguta ayo.

25. Pavakatanga kugarako, vakanga vasinganamati Jehovha; naizvozvo akatuma shumba pakati pavo dzikauraya vamwe vavo.

26. Vakazivisa mambo weAsiria kuti: “Vanhu vamabvisa mukavagarisa mumaguta eSamaria havazivi zvinodikanwa naMwari wenyika iyoyo. Akatuma shumba pakati pavo, dziri kuvauraya, nokuti vanhu havazivi zvaanoda.”

27. Ipapo mambo weAsiria akarayira akati, “Itai kuti mumwe wavaprista vamakatapa kubva kuSamaria adzokere kunogarako agodzidzisa vanhu kuti mwari wenyika iyi anodei.”

28. Saka mumwe wavaprista vakanga vatapwa kubva kuSamaria akauya kuzogara muBheteri akavadzidzisa kunamata Jehovha.

29. Kunyange zvakadaro, rudzi rumwe norumwe rwakazviitira vamwari varwo mumaguta mazhinji mavaigara, vakavamisa mudzimba dzokunamatira dzakanga dzaitwa navanhu veSamaria mumatunhu akakwirira.

30. Varume vaibva kuBhabhironi vakavaka Sukoti-Bhenoti, vanhu vaibva kuKuta vakavaka Nerigari, vanhu vaibva kuHamati vakavaka Ashima;

31. vaAvhi vakavaka Nibhazi Taritaki, uye vaSefavhi vakapisa vana vavo mumoto sezvibayiro kuna Adhiramereki naAnamereki vamwari veSefavhaimu.

32. Vakanamata Jehovha, asi vakagadzawo mhando dzose dzavanhu vavo kuti vavashandire savaprista mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira.

33. Vakanamata Jehovha, asi vakashumirawo vamwari vavo maererano netsika dzendudzi idzo dzavakanga vabviswa kwadziri.

34. Kusvikira nhasi vari kurambira mutsika dzavo dzekare. Havanamati Jehovha kana kuteerera mitemo nezvakatemwa, nemirayiro nemirau yakapiwa naJehovha kuvana vaJakobho, uyo waakatumidza kuti Israeri.

35. Jehovha akati aita sungano navaIsraeri, akavarayira akati, “Musanamata kana vamwari vapi zvavo kana kuvapfugamira, kana kuvashumira kana kubayira kwavari.

36. Asi Jehovha uyo akakubudisai kubva munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rwakatambanudzwa, ndiye oga wamunofanira kunamata. Ndiye wamunofanira kupfugamira uye ndiye wamunofanira kupa zvibayiro.

37. Munofanira kugara makachenjerera kuchengeta mitemo yake nezvaakatonga, nemirayiro, nemirau yaakakunyorerai. Musanamata vamwe vamwari.

38. Musakanganwa sungano yandakaita nemi, uye musanamata vamwe vamwari.

2 Madzimambo 17