5. Vanochochonya mazai emvumbi, uye vanoruka dandira redandemutande. Ani naani anodya mazai avo achafa, uye rimwe rikaputsika, panochochonywa nyoka.
6. Matandira avo haabatsiri pakupfeka; havagoni kuzvifukidza nezvavanogadzira. Mabasa avo mabasa akaipa, uye kuita nechisimba kuri mumaoko avo.
7. Tsoka dzavo dzinomhanyira kundopinda muchivi; vanokurumidza kuteura ropa risina mhosva. Mirangariro yavo mirangariro yakaipa; kuputsa nokuparadza zviri munzira dzavo.
8. Nzira yorugare havaizivi; hapana kururamisira pamakwara avo. Vakashandura nzira dzavo dzikava dzakaminama; hakuna anofamba madziri achaziva rugare.
9. Naizvozvo kururamisira kuri kure nesu, uye kururama hakusviki kwatiri. Tinotsvaka chiedza, asi zvose irima; tinotsvaka kujeka, asi tiri kufamba mumumvuri werima.
10. Sebofu tinotsvanzvadzira tichitevedza madziro, tichitsvaka nzira yedu savanhu vasina meso. Panguva yamasikati tinogumburwa kunge nguva yorubvunzavaeni; pakati pavane simba, tangoita savakafa.
11. Tose tiri kuomba samapere; tinorira nokurira kukuru senjiva. Tinotsvaka kururamisira, asi hatikuwani; tinotsvaka kurwirwa, asi kuri kure kure.
12. Nokuti kutadza kwedu kwawanda pamberi penyu, uye zvivi zvedu zvinotipupurira zvakaipa. Kudarika kwedu kunogara nesu, uye tinobvuma kutadza kwedu:
13. kumukira nokunyengera Jehovha, kufuratira Mwari wedu, kukuchidzira udzvinyiriri nokupanduka, nokutaura mashoko enhema anobva mumwoyo yedu.
14. Naizvozvo kururamisirwa kwadzorerwa shure, uye kururama kwamira kure; chokwadi chakagumburwa munzira dzomumusha, kutendeka hakuchagoni kupinda.
15. Zvokwadi haichawanikwi uye vanovenga zvakaipa ndivo vopambwa.Jehovha akatarisa akasafara kuti pakanga pasisina kururamisira.
16. Akaona kuti pakanga pasina munhu, akashamiswa kuti pakanga pasina munhu aipindira; naizvozvo ruoko rwake rwakamuvigira ruponeso, uye kururama kwake kwakamuraramisa.