1 Madzimambo 3:11-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Naizvozvo Jehovha akati kwaari, “Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama,

12. ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako.

13. Pamusoro pezvo, ndichakupawo zvausina kukumbira, zvose upfumi nokukudzwa, zvokuti muupenyu hwako hapana mumwe anozoenzana newe pakati pamadzimambo.

14. Kana ukafamba munzira dzangu nokuteerera mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaita Dhavhidhi baba vako, ndichakupa upenyu hurefu.”

15. Ipapo Soromoni akamuka, akabva aziva kuti kwakanga kuri kurota.Akadzokera kuJerusarema, akamira pamberi peareka yesungano yaJehovha akabayira zvipiriso zvinopiswa, akabayirawo zvipiriso zvokuyananisa. Ipapo akaitira varanda vake vose mutambo.

16. Zvino vakadzi vaviri vaiva zvifeve vakauya kuna mambo vakamira pamberi pake.

17. Mumwe wavo akati, “Ishe wangu, mukadzi uyu neni tinogara muimba imwe chete. Ini ndakapona mwana iye aripowo.

18. Zvino nezuva rechitatu mushure mokuberekwa kwomwana wangu, mukadzi uyu akaponawo mwana. Takanga tiri toga; hapana mumwe munhu akanga ari mumba kunze kwedu isu vaviri.

19. “Usiku ihwohwo mwana womukadzi uyu akafa, nokuti akavata pamusoro pake.

20. Saka akamuka pakati pousiku akatora mwanakomana wangu kubva parutivi pangu, ini muranda wenyu ndivete. Akamuisa pachipfuva chake akaisa mwanakomana wake akafa pachipfuva changu.

21. Pandakamuka mangwanani kuti ndiyamwise mwanakomana wangu ndakaona kuti akanga afa; asi pandakazotarisisa mangwanani, ndakaona zviri pachena kuti haasiriye mwanakomana wandakanga ndapona.”

22. Asi mukadzi mumwe uya akati, “Kwete, mwanakomana mupenyu ndowangu, mwanakomana akafa ndowako.”Asi wokutanga akaramba akati, “Kwete, akafa ndowako; mupenyu ndiye wangu.” Naizvozvo vakaitirana nharo pamberi pamambo.

23. Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ”

24. Ipapo mambo akati, “Nditorerei munondo.” Naizvozvo vakauya nomunondo kuna mambo.

25. Iye akati, “Chekai mwana mupenyu napakati mugopa hafu kuno mumwe uye imwe hafu kuno mumwe.”

26. Mukadzi aiva nomwana mupenyu akanzwira mwanakomana wake tsitsi akati kuna mambo, “Ndapota ishe wangu, mupei zvenyu mwana ari mupenyu! Musamuuraya!”Asi mumwe wacho akati, “Iwe neni hapana ari kuzomuwana. Muchekei napakati!”

27. Ipapo mambo akapa mutongo wake akati, “Ipai mwana mupenyu kumukadzi wokutanga. Musamuuraya; ndiye mai vake.”

1 Madzimambo 3