18. Varume ava vakati vapinda mumba maMika, vakatora mufananidzo wakavezwa, efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakaumbwa, muprista akati kwavari, “Muri kuiteiko?”
19. Vakamupindura vakati, “Nyarara! Usambotaura shoko. Handei tose, ugova baba vedu nomuprista wedu. Handiti zviri nani kushumira rudzi neimba iri muIsraeri somuprista pachinzvimbo cheimba yomunhu mumwe here?”
20. Ipapo muprista akafara. Akatora efodhi, vamwe vamwari nechifananidzo chakavezwa akaenda pamwe chete navanhu.
21. Vakaisa vana vavo vaduku, zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo pamberi pavo, vakasimuka vakaenda.
22. Vakati vafamba chinhambwe kubva pamba yaMika varume vaigara pedyo naMika vakadanwa pamwe chete vakatevera vaDhani vakavabata.
23. Pavakadaidzira mushure mavo, vaDhani vakatendeuka vakati kuna Mika, “Wakaita seiko iwe, zvawadana vanhu vako kuti vazorwa?”
24. Akapindura akati, “Makatora vamwari vandakaita, uye muprista wangu mukaenda naye. Chii zvino chandasarirwa nacho? Mungabvunza seiko muchiti, ‘Wakaita seiko iwe?’ ”
25. VaDhani vakapindura vakati, “Usaita nharo nesu, kuti varume vane hasha varege kukurwisa, uye iwe nemhuri yako mukazorasikirwa noupenyu hwenyu.”
26. Saka vaDhani vakaenda zvavo, uye Mika, achiona kuti vakanga vaine simba kukunda iye, akadzoka akaenda kumusha kwake.
27. Ipapo vakatora zvakanga zvagadzirwa naMika, uye muprista wake, vakaenda kuRaishi, vakandorwa navanhu vakanga vasina chavanofungidzira vano rugare. Vakavauraya nomunondo vakavapisira maguta avo nomoto.
28. Pakanga pasina munhu anovanunura nokuti vaigara kure neSidhoni uye vasina ushamwari naani zvake. Guta rakanga riri mumupata waiva pedyo neBheti Rehobhi.VaDhani vakavakazve guta vakagaramo.
29. Vakaritumidza kuti Dhani zita ratateguru wavo Dhani, akanga aberekerwa Israeri, kunyange raimbonzi Raishi.
30. Ikoko vaDhani vakazvimisira chifananidzo, uye Jonatani mwanakomana waGerishomi, mwanakomana waMozisi, uye vanakomana vake vakava vaprista vorudzi rwaDhani kusvikira panguva youtapwa hwenyika.
31. Vakaramba vachishandisa zvifananidzo zvakaitwa naMika, nguva dzose imba yaMwari payakanga iri muShiro.