Mapisarema 142 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero.

1. Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha; ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.

2. Ndinodurura kugunun'una kwangu pamberi pake; ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.

3. Mweya wangu paunoziya mandiri, imi ndimi munoziva nzira yangu. Munzira mandinofamba, vanhu vakandivanzira misungo.

4. Tarirai kurudyi rwangu mugoona; hakuna ane hanya nemi. Handina utiziro; hakuna ane hanya noupenyu hwangu.

5. Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti, “Ndimi utiziro hwangu, nomugove wangu munyika yavapenyu.”

6. Teererai kuchema kwangu, nokuti ndiri pakushayiwa kukuru; ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa, nokuti vanondikurira simba.

7. Ndibudisei mutorongo, kuti ndirumbidze zita renyu. Ipapo vakarurama vachandipoteredza nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.