Mapisarema 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1. Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira!

2. Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.” Sera

3. Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4. Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye iye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera

5. Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6. Handizotyi makumi ezviuru vakandikomba kuti vandirwise.

7. Simukai, imi Jehovha! Ndirwirei, imi Mwari wangu! Rovai vavengi vangu vose pashaya; gurai meno avakaipa.

8. Rusununguko runobva kuna Jehovha. Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera