Mapisarema 82 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Pisarema raAsafi.

1. Mwari anogara paungano huru; anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2. “Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera

3. Tongai mhaka dzavasina simba nenherera; chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4. Nunurai vasina simba navanoshayiwa; varwirei paruoko rwowakaipa.

5. “Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa. Vanongofamba-famba murima; nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6. “Ndakati, ‘Muri vamwari; imi mose muri vanakomana voWokumusorosoro.’

7. Asi muchafa savanhuwo zvavo; muchawa savatongi vose.”

8. Simukai, imi Mwari, mutonge nyika, nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.