Mapisarema 136 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2. Vongai Mwari wavamwari: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

3. Vongai Ishe wamadzishe: nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

4. iye oga anoita zvinoshamisa zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

5. iye akaita matenga nokunzwisisa kwake, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

6. iye akatambanudza nyika pamusoro pemvura zhinji, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

7. iye akaita zviedza zvikuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

8. zuva kuti ribate ushe masikati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

9. mwedzi nenyeredzi kuti zvibate ushe usiku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

10. iye akarova matangwe eIjipiti, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

11. uye akabudisa Israeri kubva pakati pavo, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

12. noruoko rune simba uye noruoko rwakatambanudzwa, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

13. iye akaparadzanisa Gungwa Dzvuku napakati, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

14. uye akayambutsa Israeri nomukati maro, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

15. asi akakukura Faro nehondo yake muGungwa Dzvuku, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

16. iye akatungamirira vanhu vake nomugwenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

17. akarova madzimambo makuru, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

18. uye akauraya madzimambo ane simba, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

19. Sihoni mambo wavaAmori, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

20. naOgi mambo weBhashani, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

21. akavapa nyika yavo senhaka, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

22. nhaka kumuranda wake Israeri, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

23. iye akatirangarira paurombo hwedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

24. uye akatisunungura kubva pavavengi vedu, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi;

25. uye anopa zvokudya kuzvisikwa zvose, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

26. Vongai Mwari wokudenga, nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.