Mapisarema 11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1. Ndinovanda muna Jehovha. Mungareva seiko kwandiri muchiti, “Tizira kugomo rako seshiri.

2. Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo; vanogadzirira miseve yavo parukungiso, kuti vapfure vari murima, uyo akarurama pamwoyo.

3. Kana nheyo dzaparadzwa, akarurama angaiteiko?”

4. Jehovha ari mutemberi yake tsvene; Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga. Anocherechedza vanakomana vavanhu; meso ake anovaedza.

5. Jehovha anoedza vakarurama, asi vakaipa navanoda zvechisimba mweya wake unovavenga.

6. Pane vakaipa anonayisa mazimbe omoto nesafuri inopfuta; mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.

7. Nokuti Jehovha akarurama, anoda kururamisira; vanhu vakarurama vachaona chiso chake.