Mapisarema 48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2. Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.

3. Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4. Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5. vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.

6. Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sokwomukadzi wosununguka.

7. Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi, zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8. Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona, muguta raJehovha Wamasimba Ose, muguta raMwari wedu: Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera

9. Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari, tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

10. Sezvakaita zita renyu, imi Mwari, kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika; ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11. Gomo reZioni rinofara, misha yeJudha inofarisisa nokuda kwokutonga kwenyu.

12. Famba-fambai muZioni, ripoteredzei, verengai shongwe dzaro,

13. fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro, cherechedzai nhare dzaro, kuti mugotaura nezvazvo kurudzi runotevera.

14. Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri; iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.