Mapisarema 87 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Zvavanakomana vaKora. Pisarema. Rwiyo.

1. Akateya nheyo dzake pagomo dzvene;

2. Jehovha anoda masuo eZioni kupfuura pose panogara Jakobho.

3. Zvinhu zvakaisvonaka zvinotaurwa pamusoro pako, iwe guta raMwari: Sera

4. “Ndichanyora nezvaRahabhi neBhabhironi pakati pavanondiziva, neFiristiawo neTire, pamwe chete neEtiopia, uye vachati, “Uyu akaberekerwa muZioni.”

5. Zvirokwazvo, pamusoro peZioni vachati, “Uyu nowoyo vakaberekerwamo, uye Wokumusoro-soro pachake acharisimbisa.”

6. Jehovha achanyora panonyorwa mazita amarudzi, kuti, “Uyu akaberekerwa muZioni.” Sera

7. Pavanoimba, vachaimba vachiti, “Matsime angu ose ari mamuri.”