Genesisi 18:3-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.

4. Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.

5. Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati,“Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”

6. Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatua zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”

7. Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.

8. Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.

9. Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?” Iye akati, “Ari mutende umo.”

10. Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake.

11. Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana.

12. Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”

13. Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’

14. Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”

15. Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.”

16. Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.

17. Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.

18. Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.

19. Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”

20. Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa

21. zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”

Genesisi 18