Jeremia 15:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndichavarudza neforogo yokurudzisa, pamasuo eguta renyika. Ndichauyisa kufirwa nokuparadzwa pamusoro pavanhu vangu, nokuti havana kushandura nzira dzavo.

8. Ndichawanza chirikadzi dzavo kupfuura jecha regungwa. Panguva yamasikati ndichauyisa muparadzi, pamusoro pavanamai vamajaya avo; pakarepo, ndichaburutsa pamusoro pavo kurwadziwa uye kutya.

9. Mai vakabereka vana vanomwe vachaziya vagofa. Zuva rake richavira achiri masikati; achanyadziswa uye achaninipiswa. Vachapunyuka ndichavaisa kumunondo pamberi pavavengi vavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

10. Yowe-e, mai vangu, zvamakandibereka kuti ndive murume anorwiswa nokumisidzanwa naye nenyika yose! Handina kumbopa munhu chikwereti, kana kutora chikwereti, asi zvakadaro vanhu vose vanondituka.

11. Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichakurwira nokuda kwechikonzero chakanaka; zvirokwazvo ndichaita kuti vavengi vako vakunyengetedze panguva yenjodzi nepanguva yokutambudzika.

12. “Ko, munhu angavhuna simbi here, simbi inobva nechokumusoro, kana ndarira?

13. Pfuma yako namatura ako ndichazvipa sezvakapambwa, pasina muripo, nokuda kwezvivi zvako zvose munyika yako yose.

14. Ndichakuita muranda wavavengi vako kunyika yausingazivi, nokuti kutsamwa kwangu kuchabatidza moto uchapfuta kuti ukupise.”

15. Haiwa Jehovha, imi munonzwisisa; ndirangarirei mugondichengeta. Munditsivire kuvatambudzi vangu. Imi muno mwoyo murefu, musandibvisa; fungai kuti ndakanyadziswa sei nokuda kwenyu.

16. Mashoko enyu paakasvika ndakaadya; akanga ari mufaro wangu nokufadzwa kwomwoyo wangu, nokuti ndakatumidzwa zita renyu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose.

17. Handina kumbogara pakati peungano yavanozvifadza, handina kumbofara navo; ndakagara ndoga nokuti ruoko rwenyu rwaiva pamusoro pangu, uye makanga mandizadza nokutsamwa.

18. Seiko kurwadziwa kwangu kusingaperi, uye ronda rangu richirwadza uye risingarapiki? Muchava kwandiri sorukova runonyengera here sechitubu chinopwa?

19. Naizvozvo zvanzi naJehovha, “Kana ukatendeuka, ndichakudzosazve kuti ugondishumira; kana ukataura zvakafanira, kwete mashoko asakafanira, uchava somuromo wangu. Vanhu ava ngavadzokere kwauri, asi iwe usaenda kwavari.

20. Ndichakuita rusvingo kuvanhu ava, nhare yorusvingo rwendarira; vacharwa newe, asi havangakukundi, nokuti ini ndinewe, kuti ndikurwire ndigokuponesa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

21. “Ndichakuponesa kubva mumaoko avakaipa uye ndichakudzikinura pamaoko avano utsinye.”

Jeremia 15