5. Naizvozvo Jehovha Mwari wake akamuisa mumaoko amambo weAramu. VaAramu vakamukunda uye vakatora vanhu vake vazhinji senhapwa vakauya navo kuDhamasiko. Akaiswawo mumaoko amambo weIsraeri uyo akauraya vanhu vazhinji kwazvo.
6. Pazuva rimwe chete, Peka mwanakomana waRemaria akauraya varwi zviuru zana namakumi maviri muJudha, nokuti Judha yakanga yarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo.
7. Zikiri murwi wokuEfuremu, akauraya Maaseya mwanakomana wamambo, Azirikami mutariri mukuru womuzinda naErikana, mutevedzeri wamambo.
8. VaIsraeri vakatapa kubva kuhama dzavo vakadzi navanakomana navanasikana zviuru mazana maviri. Vakapambawo zvinhu zvakawanda, zvavakatakura vakadzokera nazvo kuSamaria.
9. Asi muprofita waJehovha ainzi Odhedhi akanga aripo, uye akabuda kundosangana nehondo payakadzoka kubva kuSamaria. Akati kwavari, “Nokuti Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu akanga atsamwira Judha, akavaisa muruoko rwenyu. Asi mavauraya nehasha dzinosvika kudenga.
10. Uye zvino mava kuda kuita varume navakadzi veJudha neJerusarema nhapwa dzenyu. Asi imiwo hamuna here mhosva dzezvivi zvamakaitira Jehovha Mwari wenyu?
11. Zvino chiteererai kwandiri! Dzorerai kwakare hama dzenyu dzamatora savasungwa, nokuti kutsamwa kwaMwari kunotyisa kuri pamusoro penyu.”
12. Ipapo vamwe vatungamiri vemuEfuremu vaiti Azaria mwanakomana waJehohanani, Bherekia mwanakomana waMeshiremoti, Jehizikia mwanakomana waSharumi naAmasa mwanakomana waHadhirai, vakandotongesa avo vakanga vachisvika vachibva kuhondo.
13. Vakati, “Hamufaniri kuuyisa vasungwa ivavo kuno kuti tirege kuva nemhosva pamberi paJehovha. Munoda kuwedzera here pamusoro pechivi chedu nemhosva yedu? Nokuti mhosva yedu yatokura kare, uye kutsamwa kwake kunotyisa kwava pamusoro peIsraeri.”
14. Saka varwi vakasiya vasungwa nezvose zvavakanga vapamba pamberi pavakuru neungano yose.
15. Varume varehwa namazita avo vakatora vasungwa uye kubva pane zvavakanga vapamba vakapfekedza vakanga vakashama. Vakavapa nguo neshangu, zvokudya nezvokunwa, uye nomushonga wokuporesa. Avo vose vakanga vasina simba vakavakwidza paJeriko, muGuta reMichindwe uye vakadzokera kuSamaria.