24. Zvino vatungamiri vavaRevhi vaiva Hashabhia, Sherebhia naJeshua mwanakomana waKadhimieri, nehama dzavo aimira akatarisana navo vachipa rumbidzo nokuvonga, uye vachiita madzoro sezvazvakanga zvarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari.
25. Matania Bhakibhukia, Dhadhia, Meshurami, Taramani, naAkubhi vakanga vari varindi vemikova namatura.
26. Vakashumira pamazuva aJehoyakimi mwanakomana waJeshua, mwanakomana waJozadhaki, nomumazuva aNehemia mubati naEzira muprista nomunyori.
27. Zvino pakukumikidzwa kworusvingo rweJerusarema, vaRevhi vakatsvakwa kwavaigara akauyiswa kuJerusarema kuzopemberera kukumikidzwa uku nomufaro nenziyo dzokuvonga uye nokuimba vachiridza makandira, mitengeranwa nembira.
28. Vaimbi vakaunganidzwa pamwe chete kubva kumatunhu akapoteredza Jerusarema, nokumisha yavaNetofati;
29. nokuBheti Girigari uye kubva munzvimbo yeGebha neAzimavheti, nokuti vaimbi vakanga vazvivakira misha vakapoteredza Jerusarema.
30. Zvino vaprista navaRevhi vakati vazvinatsa, vakanatsawo vanhu, mikova norusvingo.
31. Ipapo ndakakwidza vatungamiri vavaJudha pamusoro porusvingo. Ndakarayirawo mapoka makuru maviri avaimbi kuti vavonge vachifamba mumudungwe. Rimwe boka rakafamba pamusoro porusvingo kurudyi, rakananga kuMukova waMarara.
32. Hoshaya nehafu yavatungamiri vaJudha vakavatevera,
33. pamwe chete naAzaria, Ezira, Mesharami,
34. Judha, Bhenjamini, Shemaya, naJeremia,
35. pamwe chete navamwe vaprista vaiva nehwamanda, uyewo naZekaria mwanakomana waJonatani, mwanakomana waShemaya, mwanakomana waMatania, mwanakomana waMikaya, mwanakomana waZakuri, mwanakomana waAsafi,
36. nehama dzake vanaShemaya, Azareri, Mirarai, Girarai, Maai, naNataneri, Judha naHanani nemidziyo yokuimbisa yakarayirwa naDhavhidhi munhu waMwari. Ezira munyori akavatungamirira ari pamberi.
37. Vakafamba napaSuo reTsime vakarurama kumatanho eGuta raDhavhidhi napamukwidza wokurusvingo uye vakapfuura napamusoro peimba yaDhavhidhi vakananga kuSuo reMvura kumabvazuva.
38. Rimwe boka ravaivonga rakaenda kuruboshwe. Ini ndakavatevera pamwe chete nehafu yavanhu ndiri pamusoro porusvingo, ndikapfuura napashongwe yechoto kusvikira kurusvingo rwakapamhama,
39. napamusoro peSuo raEfuremu, Suo reKare, Suo reHove, Shongwe yaHananeri napaShongwe yeZana, kusvikira paSuo raMakwai. Vakamira paSuo raVarindi.
40. Naizvozvo mapoka maviri avavongi akamira muimba yaMwari, neni ndikaita saizvozvo, pamwe chete nehafu yavabati,
41. navapristawo, vanaEriakimi, Maaseya, Miniamini, Mikaya, Erioenai, Zekaria naHanania, nehwamanda dzavo,