Johani 9:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika.”

6. Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya.

7. Akati kwaari, “Enda undoshamba mudziva reSiroami” (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.

8. Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, “Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?”

9. Vamwe vakati, “Ndiye.”Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.”Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”

10. Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”

11. Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akariisa pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”

12. Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?”Iye akati, “Handizivi.”

13. Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.

14. Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikaiswa pameso omunhu naJesu, raiva zuva reSabata.

15. Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Aisa dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”

16. Vamwe vaFarisi vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.”Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.

Johani 9