Jeremia 14:10-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Zvanzi naJehovha pamusoro pavanhu ava, “Vanofarira kungofamba-famba; havadzori tsoka dzavo. Saka Jehovha haavagamuchiri; zvino acharangarira zvakaipa zvavo uye achavaranga nokuda kwezvivi zvavo.”

11. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Rega kunyengeterera kugara zvakanaka kwavanhu ava.

12. Kunyange vakatsanya, handinganzwi kuchemwa kwavo; kunyange vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvezviyo, handingazvigamuchiri. Asi ndichavaparadza nomunondo, nenzara uye nedenda.”

13. Asi ndakati, “Haiwa Ishe Jehovha, vaprofita vanogara vachivataurira kuti, ‘Hamungaoni munondo kana kufa nenzara. Zvirokwazvo ndichakupai rugare rusingaperi panzvimbo ino.’ ”

14. Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Vaprofita vanoprofita nhema muzita rangu. Ini handina kuvatuma kana kuvagadza kana kutaura kwavari. Vanokuprofiterai zviratidzo zvenhema, nezvakavukwa, nezvifananidzo nokurasika kwendangariro dzavo.

15. Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pavaprofita vanoprofita muzita rangu: Handina kuvatuma, asi ivo vanoti, ‘Hakungavi nomunondo kana nzara ichawira nyika ino.’ Vaprofita vacho ivavo, vachaparara nomunondo nenzara.

16. Uye vanhu vavaiprofitira vacharasirwa munzira dzeJerusarema nokuda kwenzara nomunondo. Hakuna munhu achavaviga ivo, kana vakadzi vavo, kana vanakomana vavo, kana vanasikana vavo. Ndichadururira pamusoro pavo njodzi yakafanira.

17. “Taura shoko iri kwavari, uti, ‘Meso angu ngaayerere misodzi usiku namasikati asingaregi; nokuti mhandara mwanasikana wangu, vanhu vangu, varwadziwa nevanga rakaipa, iko kurohwa kukuru.

18. Kana ndikaenda mukati menyika, ndinoona vaya vakaurayiwa nomunondo; kana ndikaenda muguta, ndinoona vakaparadzwa nenzara. Vose, muprofita nomuprista vakaenda kunyika yavasingazivi.’ ”

19. Ko, maramba Judha zvachose here? Munozvidza Zioni here? Sei makatirwadzisa zvokuti tirege kuporeswa? Takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira nguva yokuporeswa asi panongova nokuvhunduswa bedzi.

20. Haiwa Jehovha, tinobvuma zvakaipa zvedu, uye nemhosva yamadzibaba edu; zvirokwazvo takakutadzirai.

21. Nokuda kwezita renyu, musatizvidza; regai kushora chigaro chenyu chinobwinya. Rangarirai henyu sungano yenyu nesu mugorega kuiputsa.

22. Ko, pazvifananidzo zvisina maturo zvendudzi, chiripo chinganayisa mvura here? Ko, matenga, anonayisa mvura oga here? Kwete, ndimi, Iyemi Jehovha Mwari wedu. Naizvozvo tariro yedu iri mamuri, nokuti ndimi moga munoita izvi zvose.

Jeremia 14