Ko, maramba Judha zvachose here? Munozvidza Zioni here? Sei makatirwadzisa zvokuti tirege kuporeswa? Takatarisira rugare asi hakuna chakanaka chakauya, takatarisira nguva yokuporeswa asi panongova nokuvhunduswa bedzi.