Isaya 53:6-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.

7. Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuvevuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

8. Akabviswa achimanikidzwa uye akatongwa. Uye ndianiko angataura rudzi rwake? Nokuti akagurwa kubva panyika yavapenyu, nokuda kwokudarika kwavanhu vangu, akarohwa.

9. Akapiwa guva rake pakati pavatadzi, uye akava navapfumi pakufa kwake, kunyange akanga asina kuita zvechisimba, uye kunyengera kusina kuwanikwa mumuromo make.

10. Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.

11. Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo.

Isaya 53