Isaya 42:10-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Imbirai Jehovha rwiyo rutsva, murumbidzei kubva kumagumo enyika, imi munoburukira kugungwa, nazvose zviri mariri, imi zviwi, navose vanogaramo.

11. Gwenga namaguta aro ngazvidanidzire; nzvimbo dzinogara Kedhari ngadzifare. Vanhu veSera ngavaimbe nomufaro; ngavapururudze pamusoro pemakomo.

12. Ngavape rukudzo kuna Jehovha uye vaparidze rumbidzo yake kuzviwi.

13. Jehovha achabuda somunhu ane simba, semhare, achamutsa kushingaira kwake; nokudanidzira, achamutsa kurwa uye achakunda vavengi vake.

14. “Nokuti ndanga ndakanyarara kwenguva refu, ndanga ndinyerere uye ndichizvidzora. Asi zvino kufanana nomukadzi ari kusununguka, ndiri kudanidzira, ndiri kufemedzeka nokutakwaira.

15. Ndichaparadza makomo nezvikomo, uye ndichaomesa zvose zvawo zvinomera; ndichashandura nzizi dzikava zviwi, uye madziva ndichaaomesa.

16. Ndichatungamirira mapofu nenzira dzavasingazivi, nomumakwara avasina kuziva, ndichavatungamirira; ndichashandura rima rikava chiedza pamberi pavo uye ndichaita kuti nzvimbo dzakaipa dziti chechetere. Izvi ndizvo zvinhu zvandichaita; handizovasiyi.

17. Asi ivo vanovimba nezvifananidzo, vanoti kune zvakaumbwa, ‘Ndimi vamwari vedu,’ vachadzoserwa shure mukunyadziswa kukuru.

18. “Inzwai, imi matsi; tarirai, imi mapofu, muone!

19. Ndianiko bofu, asi muranda wangu, uye matsi kufanana nenhume yandinotuma? Ndianiko bofu rakafanana naiye akazvipira kwandiri, kana bofu rakafanana nomuranda waJehovha?

20. Wakaona zvinhu zvizhinji, asi hauna kuva nehanya; nzeve dzako dzakazaruka, asi hauna chaunonzwa.”

21. Zvakafadza Jehovha nokuda kwokururama kwake, kuti akudze murayiro wake uye aubwinyise.

22. Asi ava ndivo vanhu vakapambwa uye vakabirwa, vose vakasungwa mumakomba kana kuti vakavanzwa mumatorongo. Vakava vabatwa, pasina anovarwira; vakaitwa chinhu chakapambwa, pasina anoti, “Vadzoserei kwavakabva.”

23. Ndiani pakati penyu achateerera izvi, kana kurerekera nzeve dzake zvikuru panguva inouya?

24. Ndiani akarega Jakobho achipambwa, akaendesa Israeri kuvapambi? Akanga asiri Jehovha here, iye watakatadzira? Nokuti havana kuda kutevera nzira dzake; havana kuteerera murayiro wake.

25. Naizvozvo akadururira hasha dzake dzinopisa pamusoro pavo, iro bongozozo rehondo. Rakavaputira muvira romoto, asi havana kunzwisisa; rakavapisa, asi mwoyo yavo yakashaya hanya nazvo.

Isaya 42