24. “ ‘Nokuti ndichakubudisa pakati pendudzi; ndichakuunganidzai kubva kunyika dzose ndigokudzoserai munyika yangu chaiyo.
25. Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu.
26. Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu.
27. Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu nokukuitai kuti mutevere mitemo yangu nokuchenjerera kuchengeta mirayiro yangu.
28. Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ndichava Mwari wenyu.
29. Ndichakuponesai kubva pakusachena kwenyu kwose. Ndichadana zviyo nokuzviwanza uye handingauyisi nzara pamusoro penyu.
30. Ndichawanza zvibereko zvemiti uye nezvirimwa zveminda, kuitira kuti murege kuzoshorwazve pakati pendudzi nokuda kwenzara.
31. Ipapo mucharangarira nzira dzenyu dzakaipa namabasa enyu akaipa, uye muchazvisema pachenyu nokuda kwezvivi zvenyu namabasa enyu anonyangadza.
32. Ndinoda kuti muzive kuti handisi kuita izvi nokuda kwenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Nyaraiwo uye munyadziswe nokuda kwamaitiro enyu, imi, imba yaIsraeri!
33. “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Pazuva randinokunatsai pazvivi zvenyu zvose, ndichagarisa vanhu mumaguta enyu uye matongo achavakwazve.
34. Nyika yakanga yava dongo icharimwazve pachinzvimbo chokugara iri dongo pamberi pavose vanopfuura napo.