19. akati kwaari, “Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka. Regai henyu kurangarira kukanganisa kwakaitwa nomuranda wenyu pazuva rakabva ishe wangu mambo paJerusarema. Mambo ngaazvidzime mundangariro dzake.
20. Nokuti ini muranda wenyu ndinozviziva kuti ndakatadza, asi nhasi ndauya pano sowokutanga weimba yose yaJosefa kuti ndiburuke uye ndizosangana naishe wangu iye mambo.”
21. Ipapo Abhishai mwanakomana waZeruya akati, “Ko, Shimei haafaniri kuurayiwa nokuda kwaizvozvi here? Akatuka muzodziwa waJehovha.”
22. Dhavhidhi akapindura akati, “Ndineiko nemi, imi vanakomana vaZeruya zvokuti nhasi mava vavengi vangu! Pane munhu angafanira kufa muIsraeri nhasi here? Ko, handizivi here kuti nhasi ndiri mambo weIsraeri?”
23. Saka mambo akati kuna Shimei, “Haungafi.” Uye mambo akamuvimbisa nemhiko.
24. Mefibhosheti muzukuru waSauro, akaburukawo kundosangana namambo. Haana kuva nehanya netsoka dzake kana kuguririra ndebvu dzake kana kusuka nguo dzake kubvira pazuva rakasimuka mambo kusvikira pazuva raakadzoka ari mupenyu.
25. Paakasvika achibva kuJerusarema achindosongana namambo, mambo akamubvunza akati, “Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?”
26. Iye akati, “Ishe wangu mambo, sezvo ini muranda wenyu ndiri chirema, ndakati, ‘Ndichaita kuti mbongoro yangu igadzikwe chigaro uye ndigoitaswa, kuti ndigoenda namambo.’ Asi Zibha muranda wangu akandipandukira.
27. Uye akandorevera nhema muranda wenyu kuna she wangu mambo. Ishe wangu mambo akaita somutumwa waMwari; saka itai henyu zvinokufadzai.