2 Samueri 15:7-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Mushure mamakore mana, Abhusaromu akati kuna mambo, “Nditenderei kuti ndiende kuHebhuroni ndinozadzisa mhiko yandakaita kuna Jehovha.

8. Muranda wenyu paakanga achigara paGeshuri muAramu, ndakaita mhiko iyi, ‘Kana Jehovha akandidzosera kuJerusarema, ndichamunamata ndiri muHebhuroni.’ ”

9. Mambo akati kwaari, “Enda norugare.” Iye akabva aenda kuHebhuroni.

10. Ipapo Abhusaromu akatuma nhume muchivande kumarudzi ose avaIsraeri kundoti kwavari, “Kana muchinge manzwa hwamanda yarira, ipapo daidzirai muchiti, ‘Abhusaromu ava mambo muHebhuroni.’ ” Varume mazana maviri vokuJerusarema vakanga vaperekedza Abhusaromu.

11. Vakanga vakokwa uye vakangoendawo vasina zvavaiziva, vasina zvavaiziva pamusoro pezvakanga zvarongwa.

12. Abhusaromu paakanga achipa zvipiriso akadanawo Ahitoperi muGironi, gurukota raDhavhidhi, kuti auye kubva kuGiro, guta raaigara. Ipapo urongwa hwokumukira mambo hwakabva hwasimba, uye vanhu vakatevera Abhusaromu vakaramba vachiwanda.

13. Nhume yakauya uye ikaudza Dhavhidhi kuti, “Varume veIsraeri vatorwa mwoyo naAbhusaromu.”

14. Ipapo Dhavhidhi akati kumakurukota ake ose aiva naye muJerusarema, “Uyai! Ngatitizei, zvikasadaro tose hapana angapunyuka kubva kuna Abhusaromu. Tinofanira kubva pano izvozvi, kana tikasadaro angatibata akatiparadza uye akarwisa guta nomunondo.”

15. Makurukota amambo akapindura akati, “Varanda venyu vakazvipira kuita chipi nechipi chinenge chasarudzwa naishe mambo wedu.”

16. Mambo akaenda, imba yake vose vachimutevera; asi akasiya varongo vake gumi kuti vachengete muzinda wamambo.

17. Saka mambo akabuda akaenda, vanhu vose vakamutevera, uye vakandomira pane imwe nzvimbo yaiva chinhambwe.

18. Vanhu vake vose vakapfuura pamberi pake, pamwe chete navaKereti navaPereti vose, uye namazana matanhatu ose avaGiti avo vakanga vabva naye kuGati, vakafamba vachipfuura napamberi pamambo.

19. Mambo akati kuna Itai muGiti, “Ko, wauyireiwo nesu? Dzokera unogara naMambo Abhusaromu. Uri mutorwa iwe, wakadzingwa kumusha kwako.

20. Wakauya nezuro chaiye, zvino nhasi ndingaita kuti udzungaire nesu here, uye ini ndisingazivi chaiko kwandinoenda? Dzokera, uye tora hama dzako dzose. Ngoni nokutendeka ngazvive newe.”

21. Asi Itai akapindura mambo akati, “Ndinopika naJehovha mupenyu, uye ndinopika naishe wangu mambo mupenyu, pana ishe wangu mambo, kunyange zvikareva upenyu kana kufa, ipapo muranda wenyu ndipo paachava.”

2 Samueri 15