2 Madzimambo 15:6-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha.

7. Azaria akazorora namadzibaba ake akavigwa pedyo navo muGuta raDhavhidhi. Uye Jotamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.

8. Mugore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo weJudha, Zakaria mwanakomana waJerobhoamu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwemwedzi mitanhatu.

9. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaitwa nababa vake. Haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvakaita kuti Israeri iite.

10. Sharumi mwanakomana waJabheshi akamukira Zekaria. Akamurwisa pamberi pavanhu, akamuuraya uye akamutevera paumambo.

11. Zvino zvimwe zvakaitika zvokutonga kwaZekaria zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri.

12. Saka shoko raJehovha rakataurwa kuna Jehu richiti, “Vana vako vachagara pachigaro choushe chaIsraeri kusvikira kurudzi rwechina,” rakazadziswa.

13. Sharumi mwanakomana waJabheshi akava mambo mugore ramakumi matatu namapfumbamwe raUzia mambo weJudha, uye akatonga muSamaria kwomwedzi mumwe chete.

14. Ipapo Menahemi mwanakomana waGadhi akaenda kuSamaria achibva kuTiriza. Akarwisa Sharumi mwanakomana waJabheshi muSamaria, akamuuraya iye akamutevera paumambo.

15. Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaSharumi, nokumukira kwaakatungamirira, zvakanyorwa mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri.

16. Panguva iyoyo Menahemi, akarwisa Tifisa navose vaiva muguta nenzvimbo dzaiva pedyo, achitanga kubva paTiriza, nokuti vakanga varamba kuzarura masuo avo. Akaparadza Tifisa uye akatumbura vakadzi vaiva nemimba.

17. Mugore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo weJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi akava mambo weIsraeri, uye akatonga muSamaria kwamakore gumi.

18. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha. Mumazuva ake ose okutonga haana kutendeuka kubva pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite.

19. Ipapo Puri mambo weAsiria akarwisa nyika, uye Menahemi akamupa chiuru chamatarendaa esirivha, kuti awane rutsigiro agosimbisa umambo hwake.

2 Madzimambo 15