1 Makoronike 23:12-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

12. Vanakomana vaKohati vaiva: Amiramu, Izhari, Hebhuroni naUzieri, vana pamwe chete.

13. Vanakomana vaAmiramu vaiva: Aroni naMozisi. Aroni akatsaurwa iye nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kuti anatse zvinhu zvaiva zvitsvene tsvene, kuti vape zvipiriso pamberi paJehovha, kushumira pamberi pake uye kutaura maropafadzo muzita rake nokusingaperi.

14. Vanakomana vaMozisi munhu waMwari vakaverengwa sechikamu chorudzi rwaRevhi.

15. Vanakomana vaMozisi vaiva: Gerishomi naEriezeri.

16. Zvizvarwa zvaGerishomi: Shubhaeri ndiye aiva wokutanga.

17. Zvizvarwa zvaEriezeri zvaiva: Rahabhia ndiye aiva wokutanga. Eriezeri haana kuzoita vamwe vanakomana, asi Rahabhia akaita vanakomana vakawanda kwazvo.

18. Vanakomana vaIzhari: Sheromiti ndiye aiva wokutanga.

19. Vanakomana vaHebhuroni: Jeria ndiye wokutanga, Amaria wechipiri, Jahazieri wechitatu naJekameami wechina.

20. Vanakomana vaUzieri: Mika wokutanga naIshia wechipiri.

21. Vanakomana vaMerari, vaiva: Mari naMushi. Vanakomana vaMari vaiva: Ereazari naKishi.

22. Ereazari akafa asina vanakomana: aingova navanasikana chete. Hama dzavo, vanakomana vaKishi vakavaroora.

23. Vanakomana vaMushi vaiva: Mari, Edheri, naJerimoti, vatatu pamwe chete.

24. Ava ndivo vaiva zvizvarwa zvaRevhi nemhuri dzavo, vakuru vemhuri sezvazvakanga vakanyorwa pasi pamazita avo uye vachiverengwa mumwe nomumwe, zvichireva vashandi vaiva namakore makumi maviri naanopfuura vaishanda mutemberi yaJehovha.

25. Nokuti Dhavhidhi akanga ati, “Sezvo Jehovha, Mwari waIsraeri apa zororo kuvanhu vake uye akauya kuzogara muJerusarema nokusingaperi,

26. vaRevhi havachafaniri kuramba vachitakura tabhenakeri kana mimwe midziyo yose yaishandiswa pabasa rayo.”

27. Maererano nokurayira kwaDhavhidhi kwokupedzisira, vaRevhi vakaverengwa kubva pana vana makore makumi maviri anopfuura ipapo.

28. Basa ravaRevhi raiva rokubatsira zvizvarwa zvaAroni, mukubata basa romutemberi yaJehovha: kuvatariri voruvanze, makamuri omumativi, kunatsa zvinhu zvose zvaiera, nokuita mamwe mabasa paimba yaMwari.

29. Vaiva vachengeti vechingwa chaiiswa patafura, upfu hwakatsetseka hwezvipiriso zvezviyo, zvingwa zvitete zvisina mbiriso, kubika nokusanganisa, uye zviero zvose zvouwandu noukuru.

30. Vaifanirawo zvakare kumira mangwanani oga oga vachitenda nokurumbidza Jehovha. Vaifanira kuita zvimwe chetezvo manheru

1 Makoronike 23