Zvakazarurwa 8:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakauya maungira omutinhiro, muroromero, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.

6. Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza.

7. Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chetatu chenyika chakapiswa, chetatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.

8. Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chetatu chegungwa chakashanduka chikava ropa,

9. chetatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chetatu chezvikepe chikaparadzwa.

10. Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechetatu chenzizi nezvitubu zvemvura,

11. zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chetatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.

Zvakazarurwa 8