Zvakazarurwa 6:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita.

10. Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”

11. Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.

12. Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa,

13. uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba.

Zvakazarurwa 6