4. Makatambudzika zvakadai pasina here, dai zvakanga zviri pasina?
5. Ko, Mwari anokupai Mweya wake uye achiita zvishamiso pakati penyu nokuda kwokuti munochengeta murayiro here, kana kuti nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
6. Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.”
7. Nzwisisai zvino, kuti avo vanotenda ndivo vana vaAbhurahama.
8. Rugwaro rwakaona zviri mberi kuti Mwari aizoruramisa vaHedheni nokutenda, uye rukazivisa zvevhangeri kare kuna Abhurahama kuti, “Ndudzi dzose dzicharopafadzwa kubudikidza newe.”
9. Saka avo vanokutenda ndivo vakaropafadzwa pamwe chete naAbhurahama, murume wokutenda.
10. Vose vanovimba nokuchengeta murayiro vakatukwa, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vasingarambiri pakuita zvinhu zvose zvakanyorwa muBhuku roMurayiro.”
11. Zviri pachena kuti hapana munhu anoshayirwa mhosva nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”
12. Murayiro hauna kuvakwa pakutenda; asi hazvo, “Munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo.”
13. Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”
14. Akatidzikinura kuitira kuti kuropafadzwa kwakapiwa Abhurahama kugosvika kuvaHedheni kubudikidza naKristu Jesu, kuitira kuti nokutenda tigogamuchira chipikirwa choMweya.
15. Hama dzangu, regai ndipe muenzaniso woupenyu hwamazuva ose. Sezvo pasina munhu angakonesa kana kuwedzera kusungano yakaitwa navanhu kana yakatosimbiswa, zvakadarowo pana izvozvi.
16. Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu.
17. Zvandinoreva ndezvizvi: Murayiro, wakaziviswa mushure mamakore mazana mana ana makumi matatu, haungakonesi sungano yakasimbiswa kare naMwari uye nokudaro uchibvisa chipikirwa.