Nehemia 3:18-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Vaimutevera pakugadzira, vanhu venyika yavo vaiva pasi paBhinui mwanakomana waHenadhadhi, mutongi weimwe hafu yeKeira.

19. Aimutevera ndiEzeri mwanakomana waJeshua, mutongi weMizipa, akagadzira chimwe chikamu kubva pamukwidza wakatarisana neimba yezvombo zvehondo kusvikira pakona.

20. Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru.

21. Aimutevera, ndiMeromoti mwanakomana waUria, mwanakomana waHakozi, akagadzira chimwe chikamu, kubva pamusuo weimba yaErishibhi kusvikira painoguma.

22. Zvakagadzirwa mumashure make zvakaitwa navaprista vaibva mudunhu rakapoteredza.

23. Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi rweimba yake.

24. Aimutevera, Bhinui mwanakomana waHanadhadhi akagadzira chimwe chikamu, kubva paimba yaAzaria kusvikira pakona nokune imwezve kona,

25. uye Parari mwanakomana waUzia akashanda pakatarisana nepakona uye napashongwe inobuda ichibva kumuzinda wokumusoro pedyo noruvazhe rwavarindi. Aimutevera, Pedhaya mwanakomana waParoshi

26. navashandi vomutemberi vaigara pamusoro pegomo reOferi vakagadzira kusvikira panzvimbo yakatarisana neSuo reMvura kwakananga kumabvazuva uye napanobudikira neshongwe.

27. Vaivatevera, varume veTekoa vakagadzira chimwe chikamu, kubva panobuda shongwe huru kusvikira kurusvingo rweOferi.

28. Vaprista vakagadzira pamusoro peSuo raMabhiza, mumwe nomumwe pamberi peimba yake.

29. Aivatevera, aiva Zadhoki mwanakomana waImeri akagadzira pakatarisana neimba yake. Aimutevera ndiShemaya mwanakomana waShekania, murindi wokuSuo rokuMabvazuva, ane zvaakagadzira.

Nehemia 3