9. Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?”Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”
10. Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
11. Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.
12. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”
13. Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
14. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.
15. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.
16. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga akabatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.
17. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
18. Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.
19. Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”
20. Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
21. Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.
22. Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake
23. uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro kuti agoporeswa uye ararame.”
24. Saka Jesu akaenda naye.Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.