Mako 3:1-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara.

2. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata.

3. Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.”

4. Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere.

5. Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa.

6. Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu.

7. Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera.

8. Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni.

9. Akaudza vadzidzi vake kuti vamuswededzere igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo.

10. Ainge aporesa vazhinji, zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate.

11. Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.”

12. Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti iye ndiani.

13. Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya kwaari.

14. Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza

15. uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni.

16. Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro);

17. Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomunun'una wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira);

Mako 3