9. Vamwe vakati, “Ndiye.”Vamwe vakati, “Kwete, anenge akangofanana naye chete.”Asi iye pachake akaramba achiti, “Ndini iye.”
10. Vakamubvunza vakati, “Meso ako akasvinudzwa sei?”
11. Akapindura akati, “Murume anonzi Jesu akakanya dope akariisa pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona.”
12. Vakamubvunza vakati, “Aripiko murume wacho?”Iye akati, “Handizivi.”
13. Vakauyisa murume uya aimbova bofu kuvaFarisi.
14. Zvino zuva iro rakakanyiwa dope rikaiswa pameso omunhu naJesu, raiva zuva reSabata.
15. Naizvozvo vaFarisi vakamubvunzawo kuti akasvinudzwa sei. Murume uya akapindura akati, “Aisa dope pameso angu uye ndikandoshamba, zvino ndava kuona.”
16. Vamwe vaFarisi vakati, “Munhu uyu haabvi kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.”Asi vamwe vakati, “Ko, mutadzi angaita zviratidzo zvakadai seiko?” Nokudaro vakabva vapesana.
17. Pakupedzisira vakadzokerazve kumunhu uya akaberekwa ari bofu vakati, “Ko, iwe unoti kudini naye, sezvo akasvinudza meso ako.” Murume uya akapindura akati, “Muprofita.”