Johani 4:23-42 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

23. Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.

24. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi.”

25. Mukadzi akati, “Ndinoziva kuti Mesiya anonzi Kristu ari kuuya. Paanouya, acharondedzera zvinhu zvose kwatiri.”

26. Ipapo Jesu akataura akati, “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”

27. Pakarepo vadzidzi vake vakadzokera kwaari uye vakashamiswa vachiona achitaura nomukadzi. Asi hapana akamubvunza kuti, “Unodei?” kana kuti “Munotaurireiko naye?”

28. Ipapo, asiya chirongo chake, mukadzi akadzokera kuguta akandoti kuvanhu,

29. “Uyai, muone murume anditaurira zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu angava iye Kristu here?”

30. Vakabuda muguta vakapinda munzira yavo vakananga kwaari.

31. Vanhu vasati vasvika, vadzidzi vake vakafanomukurudzira vachiti, “Rabhi, imbowanai chamungadya.”

32. Asi iye akati kwavari, “Ndine chokudya chandinodya chamusingazivi.”

33. Ipapo vadzidzi vake vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Asi pano munhu amuvigira zvokudya kanhi?”

34. Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.

35. Ko, imi hamuti here, ‘Kwasara mwedzi mina ipapo kucheka kwobva kwasvika?’ Ndinoti kwamuri, svinurai meso enyu uye mutarise kuminda! Yatoibva kuti ikohwewe.

36. Kunyange iye zvino mukohwi anopiwa mubayiro wake, kunyange izvozvi anokohwa zvibereko zvoupenyu husingaperi, kuitira kuti mukushi nomukohwi vagofara pamwe chete.

37. Nokuti tsumo inoti, ‘Mumwe anokusha uye mumwe anokohwa ndeyezvokwadi.’

38. Ndakakutumai kunokohwa zvamusina kushandira. Vamwe vakaita basa rakaoma, uye imi makakohwa mubayiro wokubata kwavo.”

39. VaSamaria vazhinji vaibva muguta iro vakatenda kwaari nokuda kwouchapupu hwomukadzi hwokuti, “Akanditaurira zvose zvandakaita.”

40. Saka vaSamaria vakasvika kwaari, vakamukumbira kuti agare navo, nokudaro akagarapo kwamazuva maviri.

41. Uye nokuda kwamashoko ake vamwezve vazhinji vakava vatendi.

42. Ivo vakati kumukadzi uya, “Hatichatongotendi nokuda kwezvawataura chete; uye zvino tazvinzwira pachedu, uye tinoziva kuti murume uyu chokwadi ndiye Muponesi wenyika.”

Johani 4