Johani 12:5-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

5. “Seiko mafuta aya asina kutengeswa uye mari yacho ikapiwa kuvarombo? Anga achikwana mubayiro wegore rose.”

6. Haana kureva izvi nokuda kwokuti aiva nehanya navarombo, asi nokuti aiva mbavha; sezvo akanga ari mubati wehomwe, aimboba zvainge zvaiswa muhomwe yacho.

7. Jesu akapindura akati, “Muregei akadaro. Zvakanga zvakagadzirirwa kuti iye achengetere mafuta aya zuva rokuvigwa kwangu.

8. Varombo munavo nguva dzose pakati penyu, asi ini hamuzorambi muneni.”

9. Zvichakadaro, vazhinji zhinji vechiJudha vakanzwa kuti Jesu akanga aripo vachibva vauya, kwete nokuda kwake bedzi asi kuti vazoonawo Razaro, waakanga amutsa kubva kuvakafa.

10. Saka vaprista vakuru vakaronga kuuraya naRazarowo,

11. nokuti nokuda kwake, vaJudha vazhinji vakanga vava kubva kwavari vachiisa kutenda kwavo kuna Jesu.

12. Zuva rakatevera ungano huru yavanhu vakanga vauya kuMutambo yakanzwa kuti Jesu akanga ari munzira achiuya kuJerusarema.

13. Vakatora mapazi emichindwe vakaenda kundosangana naye, vachidanidzira vachiti:“Hosana!”“Akaropafadzwa uyo anouya muzita raShe!”“Akaropafadzwa Mambo weIsraeri!”

14. Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro pake, sezvazvakanyorwa zvichinzi:

15. “Usatya iwe Mwanasikana weZioni;tarira, mambo wako ari kuuya,akagara pamusoro pomwana wembongoro.”

16. Vadzidzi vake havana kuzvinzwisisa pakutanga. Vakazoyeuka shure kwokunge Jesu akudzwa, kuti zvinhu izvi zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, uye kuti vakanga vaita izvozvo kwaari.

Johani 12