Isaya 8:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kwandiri, “Tora hwendefa huru unyore pamusoro payo nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi.

2. Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.”

3. Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti MaheriSharari-Hashi-Bhazi;

4. nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma yeDhamasiko nezvakapambwa zveSamaria zvichatakurwa namambo weAsiria.”

5. Jehovha akataurazve kwandiri akati,

6. “Nokuti vanhu ava vakaramba mvura inoyerera zvinyoronyoro yeShiroa, uye vanofarira Rezini nomwanakomana waRemaria,

7. naizvozvo Jehovha ava kuda kuuyisa pamusoro pavo mafashamu makuru oRwizi, mambo weAsiria nokukudzwa kwake kwose. Ruchapfachukira hova dzarwo dzose, uye rugopfachukira kumahombekombe arwo ose,

Isaya 8