Isaya 54:6-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Jehovha achakudanazve sokunge wanga uri mukadzi akasiyiwa, uye anotambudzika pamweya, mukadzi akawanikwa achiri mudiki, pedzezvo ndokurambwa,” ndizvo zvinotaura Mwari wako.

7. “Kwechinguvana ndakakusiya, asi netsitsi huru ndikakudzosazve.

8. Ndichisundwa nehasha ndakavanza chiso changu kwauri kwechinguva, asi nounyoro husingaperi ndichava netsitsi, pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Jehovha Mudzikinuri wako.

9. “Kwandiri izvi zvakafanana namazuva aNoa, pandakapika kuti mvura zhinji yaNoa haizofukidzizve nyika. Naizvozvo zvino ndapika kuti ndirege kukutsamwira, kana kukutukazve.

10. Kunyange makomo akazungunuswa, uye zvikomo zvikabviswa, rudo rwangu rusingaperi harungazungunuswi, uye sungano yangu yorugare haingabviswi,” ndizvo zvinotaura Jehovha anokunzwira tsitsi.

11. “Haiwa, iwe guta rokutambudzika wakarohwa nedutu ukasanyaradzwa, ndichakuvaka namabwe ana mavara, nheyo dzako namabwe esafiri.

12. Ndichakuitira zviruvi zvamabwe matsvuku, masuo amabwe anovaima, uye masvingo ako ose amabwe anokosha.

Isaya 54