Genesisi 41:30-41 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

30. asi makore manomwe enzara achaatevera. Ipapo maguta ose omuIjipiti achakanganwikwa, uye nzara ichaparadza nyika.

31. Maguta omunyika haachazorangarirwi, nokuti nzara inoatevera ichava huru kwazvo.

32. Kurota uku kwapiwa kuna Faro nenzira mbiri nokuti nyaya iyi yarongwa zvizere naMwari, uye Mwari achazviita nokukurumidza.

33. “Zvino Faro ngaatsvake munhu anonzwisisa uye akachenjera uye amugadze kuti ave mutariri wenyika yeIjipiti.

34. Faro ngaagadze vatariri pamusoro penyika kuti vaunganidze cheshanu chezvichakohwewa muIjipiti mukati mamakore manomwe aya amaguta.

35. Vanofanira kuunganidza zvokudya zvose zvamakore aya akanaka ari kuuya uye vagochengeta zviyo pasi pesimba raFaro, zvinofanira kuchengetwa kuti zvizove zvokudya.

36. Zvokudya izvi zvinofanira kuchengeterwa nyika, kuti zvigozoshandiswa panguva yamakore manomwe enzara achauya pamusoro peIjipiti, kuitira kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”

37. Urongwa uhu hwakaratidza kuva hwakanaka kuna Faro nokuvaranda vake vose.

38. Saka Faro akavabvunza akati, “Tingawana here munhu akaita somurume uyu, munhu ane mweya waMwari maari?”

39. Ipapo Faro akati kuna Josefa, “Sezvo Mwari aita kuti izvi zvose zvizivikanwe newe, hakuna munhu anoziva uye akachenjera sewe.

40. Iwe uchava mutariri womuzinda wangu, navanhu vangu vose, uye vanhu vangu vose vanofanira kuzviisa pasi pezvaunovarayira. Ndichava mukuru kwauri pachigaro choushe chete.”

41. Saka Faro akati kuna Josefa, “Ndakugadza kuti uve mutariri wenyika yose yeIjipiti.”

Genesisi 41