Genesisi 25:18-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

18. Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.

19. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka,

20. uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.

21. Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.

22. Vana vakanga vachisundana mukati make, uye iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.

23. Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.”

24. Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake.

Genesisi 25