Ezekieri 29:4-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Asi ndichaisa zvikokovono mushaya dzako, uye ndichaita kuti hove dzomuhova dzako dzinamatire pamakwati ako. Ndichakukwevera kunze ubve pakati pehova dzako, nehove dzose dzakanamatira pamakwati ako.

5. Ndichakusiya mugwenga, iwe nehove dzose dzomuhova dzako. Uchawira pasi pabani pachena zvapo, uye haungaunganidzwi kana kunongwa. Ndichakupa sechokudya kuzvikara zvenyika neshiri dzedenga.

6. Ipapo vose vagere muIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Wakanga uri tsvimbo yorutsanga kuimba yaIsraeri.

7. Vakati vachikubata namaoko avo, iwe ukatsemuka uye ukabvarura mapfudzi avo; pavakasendamira pauri, wakavhunika misana yavo ndokuminama.

8. “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisa munondo kuzokurwisa nokuuraya vanhu vako nezvipfuwo zvavo.

9. Ijipiti richava dongo rakaparadzwa. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. “ ‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Nairi ndorwangu; ndini ndakaruita,”

10. naizvozvo ndine mhaka newe nehova dzako, uye ndichaita kuti nyika yeIjipiti iparadzwe uye ive dongo kubva kuMigidhori kusvikira kuAswani, kundosvika kumuganhu weEtiopia.

11. Hakuna rutsoka kana rwemhuka ruchapfuura nomo; hakuna achagaramo kwamakore makumi mana.

12. Nyika yeIjipiti ndichaiita dongo pakati penyika dzakaparadzwa, uye maguta ayo achava matongo kwamakore makumi mana pakati pamaguta akaitwa matongo. Uye ndichaparadzira vaIjipita pakati pendudzi nokuvadzingira munyika dzose.

13. “Asi zvanzi naIshe Jehovha: Mushure mamakore makumi mana ndichaunganidza vaIjipita kubva kundudzi dzandakanga ndavadzingira.

14. Ndichavadzosa kubva kuutapwa ndigovadzosera kunyika yePatirosi, nyika yamadzitateguru avo. Vachava ushe hwakazvidzwa ikoko.

15. Huchava ushe hwakazvidzika chose uye hahuchazozvisimudzirizve pamusoro pedzimwe ndudzi.

16. Ijipiti haichazombovizve chivimbo chavanhu veIsraeri asi ichava chirangaridzo chechivi chavo chokucheukira kwairi kuti vabatsirwe. Ipapo vachaziva kuti ndini Ishe Jehovha.’ ”

Ezekieri 29