Ekisodho 21:11-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.

12. “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.

13. Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.

14. Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye.

15. “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.

16. “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.

17. “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.

18. “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,

19. munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafambafamba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.

20. “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,

21. asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.

22. “Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.

23. Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,

24. ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,

25. kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.

26. “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.

27. Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.

28. “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namambwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.

29. Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.

Ekisodho 21