2 Samueri 23:16-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

16. Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.

17. Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.

18. Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.

19. Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.

20. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhuzeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.

21. Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.

22. Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.

23. Iye akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.

24. Pakati pavaya Makumi Matatu paiti:Asaheri munun'una waJoabhu,Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,

25. Shama muHarodhi,Erika muHarodhi,

26. Herezi muPariti,Ira mwamakomana waIkeshi aibva kuTekoa,

27. Abhiezeri aibva kuAnatoti,Mebhunai muHushati,

28. Zarimoni muAhohi,Maharai muNetofati,

29. Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,

30. Bhenaya muPiratoni,Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,

31. Abhi-Aribhoni muAribhati,Azimavheti muBharuhumi,

32. Eriabha muShaaribhoni,mwanakomana waJasheni,Jonatani

33. mwanakomana waShama muHarari,Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,

34. Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati,Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,

35. Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,

2 Samueri 23