1. Mugore gumi norusere rokutonga kwaJerobhoamu, Abhija akava mambo weJudha.
2. Uye akatonga muJerusarema kwamakore matatu. Zita ramai vake rainzi Maaka, mwanasikana waUrieri weGibhea. Pakava nokurwisana pakati paAbhija naJerobhoamu.
3. Abhija akaenda kundorwa nehondo yaive navarume zviuru mazana mana vaigona kurwa, uye Jerobhoamu akamurwisa navarwi zviuru mazana masere vaigona kurwa.
4. Abhija akamira paGomo reZemaraimi munyika yezvikomo yeEfuremu akati, “Iwe Jerobhoamu neIsraeri yose teererai kwandiri!
5. Hamuzivi here kuti Jehovha Mwari waIsraeri, akapa umambo hwaIsraeri kuna Dhavhidhi navana vake nokusingaperi nesungano yemunyu?”
6. Asi Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, mumwe wavakuru vaSoromoni, mwanakomana waDhavhidhi akapandukira mambo wake.
7. Vamwe vakapikisana naRehobhoamu mwanakomana waSoromoni paakanga achiri mudiki asati ava kugona kuzvisarudzira zvaaida uye asati asimba kuti angarwisana navo.
8. “Uye zvino mava kurangana kurwisana noumambo hwaJehovha, huri mumaoko ezvizvarwa zvaDhavhidhi. Zvirokwazvo muri hondo huru; uye mune zvimhuru zvegoridhe zvakagadzirwa naJerobhoamu kuti zvive vamwari venyu.
9. Asi hamuna kudzinga here vaprista vaJehovha, vanakomana vaAroni navaRevhi mukagadza vaprista venyu moga sezvinoitwa navamwe vanhu vedzimwe nyika? Ani naani anenge auya kuzozvitsaura nehando diki namakondohwe manomwe anogona kuva muprista wezvisiri zvamwari.
10. “Asi kana tiri isu, Jehovha ndiye Mwari wedu, uye hatina kumurasa. Vaprista vanoshumira Jehovha vana vaAroni, uye vaRevhi vanovabatsira.
11. Mangwanani namanheru oga oga vanopisa zvipiriso zvinopiswa nezvinonhuwira kuna Jehovha. Vanoisa chingwa patafura yakanatswa uye vanobatidza mwenje iri pazvigadziko zvegoridhe manheru oga oga. Tiri kutevera zvinodikanwa naJehovha Mwari wedu asi imi makamurasa.
12. Mwari anesu; ndiye mutungamiri wedu. Vaprista vake nehwamanda dzavo vachakuridzirai mhere yehondo. Varume veIsraeri, musarwisana naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu, nokuti hamuzokundi.”
13. Zvino Jerobhoamu akanga atuma mamwe mapoka avarwi nokushure kwavo kuitira kuti iye paainge ari mberi kwaJudha vamwe vainge vakavandira shure kwavo.