2 Madzimambo 17:6-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

6. Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiria akakunda Samaria akaendesa vaIsraeri kuAsiria. Akavagarisa muHara, nomuGozani, pedyo noRwizi rweHazori uye nomumaguta avaMidhia.

7. Izvi zvose zvakaitika nokuda kwokuti vaIsraeri vakanga vatadzira Jehovha Mwari wavo, akanga avabudisa kubva muIjipiti pasi poruoko rwaFaro mambo weIjipiti. Vakanamata vamwe vamwari

8. uye vakatevera tsika dzedzimwe ndudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naJehovha, pamwe chete netsika dzakanga dzatangiswa namadzimambo eIsraeri.

9. VaIsraeri vakaita zvinhu zvakanga zvisina kururama kuna Jehovha Mwari wavo muchivande. Vakazvivakira matunhu akakwirira mumaguta avo ose, kubva pachirindo chavarindi kusvikira kuguta rakakomberedzwa.

10. Vakazvimisira matombo namatanda okunamata pamusoro pezvikomo zvose zvakakwirira napasi pemiti yose yakapfumvutira.

11. Vakapisa zvinonhuwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvakanga zvichiitwa nendudzi dzakadzingwa pamberi pavo naJehovha. Vakaita zvinhu zvakaipa zvakamutsa hasha dzaJehovha.

12. Vakanamata zvifananidzo, kunyange Jehovha akanga ati, “Musaita izvi.”

13. Jehovha akayambira Israeri neJudha kubudikidza navaprofita vake vose navaoni akati, “Ibvai panzira dzenyu dzakaipa. Cherechedzai mirayiro nemitemo yangu maererano noMurayiro wose wandakarayira madzibaba enyu kuti vauteerere uye uyo wandakapa kwamuri kubudikidza navaranda vangu vaprofita.”

14. Asi havana kuda kuteerera uye vakava nemitsipa mikukutu sezvakanga zvakaita madzibaba avo, avo vasina kuvimba naJehovha Mwari wavo.

2 Madzimambo 17