6. Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria.
7. Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura.
8. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoahazi, nezvose zvaakaita nokubudirira kwake, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
9. Jehoahazi akazorora namadzibaba ake uye akavigwa muSamaria. Jehoashi mwanakomana wake akamutevera paumambo.
10. Mugore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo weJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namatanhatu.
11. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite; akarambira mazviri.
12. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJehoashi, nezvose zvaakaita, nokubudirira kwake, pamwe nokurwa kwake naAmazia mambo weJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
13. Jehoashi akazorora namadzibaba ake, Jerobhoamu akamutevera pachigaro choushe. Jehoashi akavigwa muSamaria pamwe chete namadzimambo eIsraeri.
14. Zvino Erisha akanga achirwadziwa nedenda iro rakazomuuraya. Jehoashi mambo weIsraeri akaendako kundomuona akachema pamusoro pake akati, “Baba vangu! Ngoro dzaIsraeri navatasvi vamabhiza!”
15. Erisha akati, “Tora uta nemiseve,” iye akaita saizvozvo.
16. Akati kuna mambo weIsraeri, “Tora uta muruoko rwako.” Akati atora uta, Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko amambo.
17. Akati, “Zarura windo rokumabvazuva,” iye ndokurizarura. Erisha akati, “Pfura!” iye ndokupfura. Erisha akati, “Museve waJehovha wokukunda, museve wokukunda Aramu! Iwe uchaparadza vaAramu zvachose paAfeki.”
18. Ipapo akati, “Chitora miseve,” mambo akaitora. Erisha akati kwaari, “Rova pasi,” iye akarova katatu akabva amira.