1. Ipapo Mambo Dhavhidhi akati kuungano yose, “Mwanakomana wangu Soromoni uyo asarudzwa naMwari mudiki uye haasati ava kunyatsogona. Basa iri iguru kwazvo nokuti muzinda uyu hausi womunhu asi ndowaJehovha Mwari.
2. Nokuwana kwangu kwose ndapa kutemberi yaMwari wangu, goridhe pabasa regoridhe, sirivha pabasa resirivha, ndarira pabasa rendarira, simbi pabasa resimbi uye matanda pabasa ramatanda, pamwe chete neonikisi, namabwe okuisa mukati namatombo amavara akasiyana-siyana, namamwe mabwe akaurungana amarudzi ose namamwe machena, zvose izvi zvakawanda kwazvo.
3. Pamusoro pezvo mukuzvipira, kwangu kutemberi yaMwari wangu zvino ndava kupa upfumi hwangu pachangu hwegoridhe nesirivha kutemberi yaMwari wangu, ndichiwedzera pamusoro pezvose zvandakapa kutemberi iyi tsvene zvinoti:
4. Matarenda zviuru zvitatua egoridhe (goridhe reOfiri) namatarenda zviuru zvinomweb esirivha yakanatswa yokufukidza madziro edzimba,
5. kuitira basa regoridhe, nebasa resirivha uye kuti basa rose riitwe navarume voumhizha. Zvino ndiani anoda kuzvitsaurira kuna Jehovha nhasi!”
6. Ipapo vatungamiri vemhuri, vakuru vamarudzi eIsraeri, vatungamiri vezviuru, vatungamiri vamazana namachinda aitungamirira basa ramambo vakapa nomwoyo unoda.
7. Vakapa kubasa rapatemberi matarenda zviuru zvishanuc namadhariki zviuru gumid egoridhe, matarenda zviuru gumie esirivha, matarenda zviuru gumi nezviseref endarira, namatarenda zviuru zanag esimbi.
8. Ani naani akanga ane matombo anokosha akapa ose kuimba yokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha zvichichengetwa naJehieri muGerishoni.
9. Vanhu vakapembera nomufaro pavakaona kuti vatungamiri vavo vakanga vapa nomwoyo unoda, nokuti vakanga vapa kuna Jehovha vakasununguka uye nomwoyo wose. Mambo Dhavhidhi akafarawo zvikuru.
10. Dhavhidhi akarumbidza Jehovha pamberi peungano yose achiti: “Rumbidzwai imi Jehovha, Mwari wababa vedu Israeri, kubva kusingaperi kusvika kusingaperi.
11. Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha nokukudzwa noushe nokubwinya, nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu. Umambo ndohwenyu, imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.
12. Upfumi nokuremekedzwa zvinobva kwamuri; ndimi mutongi wezvinhu zvose. Mumaoko enyu mune simba noushe kuti musimudzire uye musimbise vanhu vose.
13. Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai, uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
14. “Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivananiko, kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.