10. kubva kuzvizvarwa zvaUzieri,Aminadhabhi mutungamiri nehama dzake zana negumi navaviri.
11. Ipapo Dhavhidhi akadana Zadhoki naAbhiatari vaprista, naUrieri, Asaya, Joere, Shemaya, Erieri naAminadhabhi vaRevhi.
12. Akati kwavari, “Imi muri vakuru vemhuri dzava Revhi, imi navamwe vaRevhi vose munofanira kuzvinatsa kuti mukwire neareka yaJehovha Mwari weIsraeri kunzvimbo yandakaigadzirira.
13. Izvi zvakaitika nokuti imi vaRevhi hamuna kukwira neareka pakutanga paya Jehovha Mwari wedu paakatiratidza kutsamwa kukuru. Hatina kunge tabvunza kwaari kuti tingazviite sei nenzira yakarayirwa.”
14. Saka vaprista navaRevhi vakazvinatsa kuti vakwire neareka yaJehovha Mwari waIsraeri.
15. Uye vaRevhi vakatakura areka yaMwari namatanda pamapfudzi avo, sezvakanga zvarayirwa naMozisi maererano neshoko raJehovha.
16. Dhavhidhi akataurira vatungamiri vavaRevhi kuti vagadze hama dzavo kuti vave vaimbi kuti vazonoimba dzimbo dzomufaro nezviridzwa zvaiti: mitengeranwa, mbira, namakandira.
17. Saka vaRevhi vakagadza Hemani mwanakomana waJoere; kubva kuhama dzake Asafi mwanakomana waBherekia; uye kubva kuhama dzavo vaMerari, Etani mwanakomana waKushaya;
18. uye pamwe chete navo hama dzavo dzaitevera paukuru dzaiti: Zekaria, Jaazieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Bhenaya, Maaseya, Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obhedhi-Edhomu, Jeyeri varindi vemikova.
19. Vaimbi vaiti Hemani, Asafi naEtani vakagadzwa kuti varidze makandira endarira.
20. Zekaria, Azieri, Shemiramoti, Jehieri, Uni, Eriabhi, Maaseya, naBhenaya vaizoridza mitengeranwa, maererano nearamoti,
21. uye Matitia, Eriferehu, Mikineya, Obedhi-Edhomu, Jeyeri, naAzazia vaizoridza mbira maererano neshiminiti.
22. Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.
23. Bherekia naErikana ndivo vaizova varindi vemikova weareka.
24. Shebhania, Joshafeti, Netaneri, Amasai, Zekaria, Bhenaya naErieza vaprista vaizoridza hwamanda pamberi peareka yaMwari. Obhedhi-Edhomu naJehia vaizovawo vatariri vomusuwo weareka.
25. Dhavhidhi navakuru veIsraeri navakuru vamapoka ane chiuru vakaenda kundotora areka yesungano yaMwari kubva kumba kwaObhedhiEdhomu, vachifara.
26. Nokuti Mwari akanga abatsira vaRevhi avo vainge vatakura areka yesungano yaMwari, vakabayira Mwari hando nomwe namakondohwe manomwe.
27. Zvino Dhavhidhi akanga akapfeka nguo yomucheka wakanaka sezvakanga zvakaita vaimbi, naKenania akanga ari mutungamiri wokuimba kuvaimbi. Dhavhidhi akanga akapfekawo efodhi yomucheka.