1 Madzimambo 22:3-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Mambo weIsraeri akanga ati kuvaranda vake, “Hamuzivi here kuti Ramoti Gireadhi ndeyedu asi hapana chatiri kuita kuti tiitore zvakare kubva kuna mambo weAramu?”

4. Uye akakumbira Jehoshafati akati, “Uchaenda neni here kundorwa neRamoti Gireadhi?” Jehoshafati akapindura mambo weIsraeri achiti, “Ini ndakangofanana newe, vanhu vangu vakafanana nevako, mabhiza angu samabhiza ako.”

5. Asi Jehoshafati akatiwo kuna mambo weIsraeri, “Tanga watsvaga zvinorayirwa naJehovha.”

6. Saka mambo weIsraeri akaunganidza pamwe chete, vaprofita, vangangoita varume mazana mana, akavabvunza akati, “Ndoenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti ndoregera?”Vakapindura vakati, “Endai nokuti Jehovha achaiisa muruoko rwamambo.”

7. Asi Jehoshafati akabvunza achiti, “Hapana here mumwe muprofita waJehovha pano watingabvunza?”

8. Mambo weIsraeri akapindura Jehoshafati akati, “Pachine murume mumwe chete watinogona kubvunza Jehovha naye, asi ndinomuvenga nokuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa nguva dzose. NdiMikaya, mwanakomana waImura.”Jehoshafati akapindura akati, “Mambo haafaniri kutaura kudaro.”

9. Saka mambo weIsraeri akadana mumwe wavaranda vake akati, “Uyisa Mikaya mwanakomana waImura izvozvi.”

10. Mambo weIsraeri naJehoshafati, mambo weJudha, vakanga vakagara pazvigaro zvavo vakapfeka nguo dzavo dzoumambo vari paburiro, pedyo nesuo reSamaria, vaprofita vose vachiprofita pamberi pavo.

11. Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana akanga agadzira nyanga dzesimbi, akati, “Zvanzi naJehovha, ‘Nedzidzi muchatunga vaAramu kusvikira vaparara!’ ”

12. Vamwe vaprofita vose vakanga vachiprofita zvimwe chetezvo. Vakati, “Rwisai Ramoti Gireadhi mukunde, nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”

13. Nhume yakanga yaenda kundodana Mikaya yakati kwaari, “Tarirai, somunhu mumwe chete, vamwe vaprofita vari kutaura kuti mambo vachabudirira. Shoko renyu ngaribvumirane neravo, uye mutaurewo zvakanaka.”

14. Asi Mikaya akati, “NaJehovha mupenyu, ndinogona chete kumuudza zvandinoudzwa naJehovha.”

15. Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, toenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti torega?”Akapindura akati, “Rwisai mukunde nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”

16. Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi pasina chimwe chinhu muzita raJehovha?”

1 Madzimambo 22