1 Madzimambo 22:15-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, toenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti torega?”Akapindura akati, “Rwisai mukunde nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”

16. Mambo akati kwaari, “Ndinofanira kukupikisa kangani kuti undiudze chokwadi pasina chimwe chinhu muzita raJehovha?”

17. Ipapo Mikaya akapindura akati, “Ndakaona Israeri yose yakapararira pamakomo samakwai asina mufudzi, uye Jehovha akati, ‘Vanhu ava havana tenzi. Mumwe nomumwe wavo ngaaende kumba norugare.’ ”

18. Mambo weIsraeri akati kuna Jehoshafati, “Handina kukuudza here kuti haamboprofiti chinhu chakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa chete?”

19. Mikaya akaenderera mberi akati, “Naizvozvo chinzwai shoko raJehovha: Ndakaona Jehovha akagara pachigaro chake choushe, navamwe vose vokudenga vakamira vakamupoteredza kurudyi nokuruboshwe kwake.

20. Zvino Jehovha akati, ‘Ndiani achaenda kundokwezva Ahabhu kuti arwise Ramoti Gireadhi agoenda kundofira ikoko?’“Mumwe akataura izvi, mumwe akataura izvo.

21. Pakupedzisira, mumwe mweya wakauya ukamira pamberi paJehovha ukati, ‘Ndichandomukwezva ini.’

22. “Jehovha akabvunza akati, ‘Nenzira ipi?’“Iwo wakati, ‘Ndichaenda ndonova mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita vake vose.’“Jehovha akati, ‘Uchabudirira mukumukwezva. Enda undozviita.’

23. “Saka iye zvino Jehovha aisa mweya unoreva nhema mumiromo yavaprofita venyu vose ava. Jehovha atema kuti muchawira mudambudziko guru kwazvo.”

24. Ipapo Zedhekia mwanakomana waKenaana akaenda kwaari akarova Mikaya nembama. Akamubvunza achiti, “Mweya waJehovha wakafamba nenzira ipiko uchibva kwandiri kuti uzotaura kwauri?”

25. Mikaya akapindura akati, “Uchazviziva musi wauchaenda kundohwanda muimba yomukati.”

26. Ipapo mambo weIsraeri akarayira akati, “Torai Mikaya mumudzosere kuna Amoni mutongi weguta nokuna Joashi mwanakomana wamambo

27. muti, ‘Zvanzi namambo: Isai munhu uyu mutorongo murege kumupa chimwe chinhu kunze kwechingwa nemvura kusvikira ndadzoka norugare.’ ”

28. Mikaya akati, “Kana zvikaitika kuti madzoka norugare, Jehovha haana kutaura neni.” Ipapo akatizve, “Inzwai mashoko angu imi vanhu mose!”

29. Saka mambo weIsraeri naJehoshafati mambo weJudha vakaenda kuRamoti Gireadhi.

1 Madzimambo 22