Zvakazarurwa 6:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakatarisa Gwayana paraizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi rainge romutinhiro, “Uya!”

2. Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda.

3. Gwayana rakati razarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!”

4. Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.

Zvakazarurwa 6